27
Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa
“Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu* 27:1 mamita angaita 1.4 pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu 27:1 mamita angaita 2.3 uye upamhi hwayo makubhiti mashanu. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto. Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari. Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira. Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa. Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.
Ruvazhe
“Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zana 27:9 mamita angaita 46, uyewo nomundima 11 uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, 10 namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda. 11 Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.
12 “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu§ 27:12 mamita angaita 23, uyewo nomundima 13 uye zvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi. 13 Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu. 14 Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu* 27:14 mamita angaita 6.9, uyewo nomundima 15 zvinofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu, 15 uye zvimwe zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu ngazvivewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.
16 “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi maviri 27:16 mamita angaita 9 , chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina. 17 Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira. 18 Ruvazhe ruchareba makubhiti zana 27:18 mamita angaita 46 uye makubhiti makumi mashanu§ 27:18 mamita angaita 23 paupamhi, nezvidzitiro zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka yakareba makubhiti mashanu* 27:18 mamita angaita 2.3, uye nezvigadziko zvendarira. 19 Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.
Mafuta eChigadziko choMwenje
20 “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta. 21 MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.

*27:1 27:1 mamita angaita 1.4

27:1 27:1 mamita angaita 2.3

27:9 27:9 mamita angaita 46, uyewo nomundima 11

§27:12 27:12 mamita angaita 23, uyewo nomundima 13

*27:14 27:14 mamita angaita 6.9, uyewo nomundima 15

27:16 27:16 mamita angaita 9

27:18 27:18 mamita angaita 46

§27:18 27:18 mamita angaita 23

*27:18 27:18 mamita angaita 2.3